Genesis 19

Sodhomu neGomora zvinoparadzwa

1Vatumwa vaviri vakasvika muSodhomu madekwana, uye Roti akanga agere pasuo reguta. Akati achivaona, akasimuka kuti andosangana navo uye akakotamisa uso hwake pasi. 2Akati, “Madzishe angu, ndapota hangu tsaukirai henyu kumba kwomuranda wenyu. Mushambidze henyu tsoka dzenyu uye mugovata usiku huno, ipapo mugoenda henyu mangwana mangwanani.”

Ivo vakati, “Kwete, tichavata hedu pachivara usiku huno.”

3Asi akavakumbirisa zvokuti vakatenda kuenda naye uye vakapinda mumba make. Akavagadzirira zvokudya, akabika chingwa chisina mbiriso, uye vakadya. 4Vasati vaenda kundovata, varume vose vaibva kumativi ose eguta reSodhomu, vose vaduku navakuru, vakakomba imba. 5Vakadana Roti vachiti, “Varipiko varume vapinda mumba mako usiku huno? Vaburitse kuno kwatiri kuti tivate navo.”

6Roti akabuda kunze kuti andosangana navo uye akapfiga mukova shure kwake, 7akati, “Kwete, shamwari dzangu. Regai kuita chinhu ichi chakaipa. 8Tarirai, ndina vanasikana vaviri vasina kutongovata nomurume. Regai ndivabudisire kwamuri uye mungagona kuita zvamunoda navo. Asi musaita kana chinhu kuvarume ava, nokuti vakavanda pasi pedenga rangu.”

9Ivo vakati, “Suduruka!” Uye vakati, “Munhu uyu akauya pano ari mutorwa, asi zvino ava kuda kutitonga! Tichakuitira zvakaipa iwe kupfuura ivo.” Vakaramba vachimanikidza Roti uye vakaswedera mberi kuti vapaze gonhi.

10Asi varume vaiva mukati vakatambanudza maoko avo vakakwevera Roti mumba uye vakapfiga mukova. 11Ipapo vakapofumadza varume vakanga vari pamukova wemba, vaduku navakuru, zvokuti havana kuzogona kuona mukova.

12Varume vaviri vakati kuna Roti, “Una vamwe vanhu pano here, vakuwasha, vanakomana kana vanasikana, kana mumwe wako zvake ari muguta? Vabudise muno, 13nokuti tiri kuzoparadza nzvimbo ino. Kuchema kuna Jehovha pamusoro pavanhu ava kwakura zvokuti atituma kuzoriparadza.”

14Saka Roti akabuda akandotaura kuvakuwasha vake, vakanga vatsidza kuti vachawana vanasikana vake, akati, “Kurumidzai kubva panzvimbo ino, nokuti Jehovha ava kuda kuparadza guta!” Asi vakuwasha vake vakafunga kuti aiita zveje-e navo.

15Mambakwedza, vatumwa vakakurudzira Roti vachiti, “Kurumidza! Tora mukadzi wako navanasikana vako vaviri vaunavo, kuti murege kuparadzwa kana guta roparadzwa.”

16Akati achinonoka, varume vakabata ruoko rwake uye namaoko omukadzi wake neavanasikana vake vaviri vakavabudisa zvakanaka kunze kweguta, nokuti Jehovha akavanzwira tsitsi. 17Vakati vachangovabudisa kunze, mumwe wavo akati, “Tizai nokuda kwoupenyu hwenyu! Musacheuka, uye musamira papi zvapo mubani! Tizirai kumakomo kuti murege kuparadzwa!”

18Asi Roti akati kwavari, “Kwete, madzibaba angu, ndapota! 19Muranda wenyu awana nyasha pamberi penyu, uye maratidza unyoro hukuru kwandiri zvamarwira upenyu hwangu. Asi handigoni kutizira kumakomo; njodzi iyi ingazondibata, uye ndingazofa. 20Tarirai, herino guta riri pedyo randingatizira kwariri, uye iduku zvaro. Regai nditizire kwariri, iduku kwazvo, handizvo here? Ipapo upenyu hwangu hucharwirwa.”

21Akati kwaari, “Zvakanaka, ndichaitawo zvawakumbira; handisi kuzoparadza guta rauri kureva. 22Asi chitizirai ikoko nokukurumidza, nokuti handigoni kuita chinhu chipi zvacho kusvikira masvika kwariri.” (Ndokusaka guta iro richinzi Zoari.)

23Kusvika kwakaita Roti paZoari, zuva rakanga rakwira pamusoro penyika. 24Ipapo Jehovha akanayisa safuri inopfuta pamusoro peSodhomu neGomora, zvichibva kudenga kuna Jehovha. 25Naizvozvo akaparadza maguta ayo uye nebani rose, navose vakanga vagere mumaguta uyewo nezvose zvakanga zvamera munyika. 26Asi mukadzi waRoti akacheuka, akava shongwe yomunyu.

27Fume mangwana mangwanani Abhurahama akamuka akadzokera kunzvimbo yaakanga amira pamberi paJehovha. 28Akatarisa zasi kwakanangana nokuSodhomu neGomora, kwakatarisana nokunyika yose yebani, akaona utsi hwakawanda huchisimuka kubva panyika, kufanana noutsi hunobva pachoto.

29Saka Mwari paakaparadza maguta omubani, akarangarira Abhurahama, uye akabudisa Roti kubva panjodzi yakaparadza maguta makanga muchigara Roti.

Roti naVanasikana Vake

30Roti navanasikana vake vaviri vakabva paZoari vakandogara mumakomo, nokuti akanga achitya kugara muZoari. Iye navanasikana vake vakagara mubako. 31Rimwe zuva mwanasikana wake mukuru akati kumuduku wake, “Baba vedu vakwegura, uye pano hapana varume vokuti vavate nesu, setsika yenyika yose. 32Ngatinwisei baba vedu waini tigorara navo kuti tichengetedze rudzi rwedu kubudikidza nababa vedu.”

33Usiku ihwohwo vakanwisa baba vavo waini, uye mwanasikana mukuru akapinda akavata navo. Ivo havana kuziva kuvata kwake pasi kana kumuka kwake.

34Pazuva rakatevera mwanasikana mukuru akati kumuduku wake, “Madeko ndakavata nababa vangu. Ngativanwiseizve waini usiku huno, iwe ugopinda undovata navo kuitira kuti tichengete rudzi rwedu kubudikidza nababa vedu.” 35Saka vakaita kuti baba vavo vanwezve waini usiku ihwohwo uye mwanasikana muduku akapinda akandovata navo. Ivo havana kuziva kuvata kwake pasi kana kumuka kwake.

36Saka vanasikana vose vaRoti vakava nemimba nababa vavo. 37Mwanasikana mukuru akava nomwanakomana, akamutumidza zita rokuti Moabhu; ndiye baba wavaMoabhu vanhasi. 38Mwanasikana muduku akavawo nomwanakomana, uye akamutumidza zita rokuti Bheni-Ami; ndiye baba wavaAmoni vanhasi.

Copyright information for SnaBDSC